100% found this document useful (2 votes)
4K views24 pages

O Level Shona Revision Guide

This document provides guidance on the structured format of a Shona language O-Level revision section. It discusses the importance of an introduction, body, and conclusion sections and emphasizes using proper grammar, vocabulary, and style when constructing responses. Examples are given of potential topics to cover in the introduction to engage and inform the reader.
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
100% found this document useful (2 votes)
4K views24 pages

O Level Shona Revision Guide

This document provides guidance on the structured format of a Shona language O-Level revision section. It discusses the importance of an introduction, body, and conclusion sections and emphasizes using proper grammar, vocabulary, and style when constructing responses. Examples are given of potential topics to cover in the introduction to engage and inform the reader.
Copyright
© © All Rights Reserved
We take content rights seriously. If you suspect this is your content, claim it here.
Available Formats
Download as PDF, TXT or read online on Scribd
You are on page 1/ 24

YEUKAI CHISHONA

O LEVEL SHONA REVISION

Updated Curriculum

C H I PAT O V E N G E S A I & TA G U TA N O B E R T
CHIPATO VENGESAI & TAGUTA NOBERT

Edulight Books
Throgmorton House
Cnr Samora Machel Ave/Julius Nyerere Way
3rd Floor, Room 312

Tel: 0242 749195

Cell: +263 773 452 208


+263 715 263 466
+263 772 669 134
+263 715 263 467

Email: [email protected]

First Print: 2020


Editor: Victor Chiwapu
Design and Layout: Thabiso Moyo
Cover Design: Daniel Njondaya

ISBN:

Printed By: Edulight Books

All rights reserved. No part of this publication may be reproduced, stored in retrieval system
or transmitted in any form or by any means, electronic, mechanical, photocopying, recording
or otherwise without the prior permission of the publisher.
ZVIRIMUKATI

CHIKAMU 1: RONDEDZERO PADANHO REO LEVEL..........................1


Chimiro cherondedzero........................................................................................ 3
Rondedzero yenyaya............................................................................................ 5
Rondedzero yetsanangudzo............................................................................... 11
Rondedzero yetsamba........................................................................................ 12
Rondedzero yenhaurwa...................................................................................... 18
Rondedzero yegakava........................................................................................ 21
Rondedzero yehurukuro..................................................................................... 25
Rondedzero yemhan’aro.................................................................................... 28
CHIKAMU 2: NZWISISO NEPFUPISO...................................................... 33
Nzwisiso............................................................................................................. 33
Pfupiso............................................................................................................... 36
CHIKAMU 3: ZVIRUNGAMUTAURO....................................................... 57
Tsumo................................................................................................................. 57
Madimikira......................................................................................................... 62
Fananidzo/Enzaniso........................................................................................... 64
Nyaudzosingwi.................................................................................................. 67
CHIKAMU 4: MISAMBO.............................................................................. 70
Chisekedzani...................................................................................................... 70
Chiramu.............................................................................................................. 70
Chisahwira......................................................................................................... 73
Chishamwari...................................................................................................... 76
Chizukuru........................................................................................................... 78
Chinyarikani....................................................................................................... 79
Chitorwa............................................................................................................. 81
CHIKAMU 5: MAUMBIRWO EMUTAURO.............................................. 84
Mazita................................................................................................................ 84
Zvidudziramazita............................................................................................... 89
Zviito................................................................................................................ 105
MAVAMBO
Zvakanangwa nebhuku kumudzidzi
• Bhuku rino rinobatsira vana vefomu 1 – 4 zvakanyanya, nezvinodiwa
kuti munhu/mudzidzi abudirire padanho reFomu 4.
• Kuma F3 ne F4 rinopa mazano ezvingaitwe negadziriro dzinodiwa kuti
mudzidzi akunde pabvunzo.
• Kuma F1 ne F2 bhuku rino rinopa gwara rakanaka kuti mudzidzi aone
gwara rokutevera pakudzidza mutauro, kuti akure riri pfumo rinobaya
kose.

Kumudzidzisi
• Rinobatsira madzidzisiro eChiShona mutauro.
• Rinobatsira pakupa mazano ekugona kuona zvinodikwa nebumbiro
rechidzidzo cheChiShona mutauro.
• Rinorerusira mudzidzisi basa pakudzidzisa.

Rairo Kuvadzidzi
Chikamu chimwe nechimwe chine rayiro yacho inoenderana nezvinodiwa
pachiri,naizvozvo rayiro idzi dzakaiswa padzinokodzera.
CHIKAMU 1: RONDEDZERO PADANHO REO-LEVEL

1. Nhanganyaya
Rondedzero padanho reO-Level ndicho chikamu chinoda kuti
chikosheswe zvikuru kupeba rokutanga (Paper 1) reChiShona
Language. Chinoita kuti chikamu ichi chide kubatwa zvakanaka
ndechekuti, rondedzero ine zvibodzwa makumi mashanu(50),
pazvibodzwa makumi mashanu zvebepa iri. Rondedzero ikaitwa masiya
ndaita nemudzidzisi nemudzidzi inova gangaidza mukwenyi mhezi
yavavira mudumbu, sezvo rondedzero ine zvimwe zvinhu zvakavanzika
zvekuti zvikasadzumbunurwa nemazvo gohwo rinogona kuita shoma.
Nekudaro,donzvo rechinyorwa chino nderekuzama kuyanika pachena
zvakavanzika kuti munyori webvunzo aite gadziriro yake yakanaka
zvinoita kuti akwanise kukunda zvakanaka, uye kuti awane gwara
rakanaka rekuti abudirire pachikamu ichi.

Yambiro
a) Kuuya kwakaita bumbiro idzva rezvidzidzo rakavandudzwa,
kwakauyawo neshanduko pachimiro chemapepa anoti Chishona
Language pepa 1 nepepa 2. Chikamu chino chichanyanya kunangana
nemanyorerwo erondedzero inowanikwa iri kupepa 1. Pepa 1 yeShona
Language ine zvikamu zviviri chete, zvinoti rondedzero nenzwisiso
nepfupiso. Zvikamu zviviri izvi zvinonyorwa munguva inoita iyo maawa
maviri. Rondedzero ine zvibodzwa makumi mashanu (50), nzwisiso
makumi maviri (20) nepfupiso gumi (10), zvose zvobva zvaita makumi
masere (80). Tikanyatsoita ongororo yakanaka, tinoona kuti pepa 1
yava nenguva yakawanda chose kana tichienzanisa nemamirire aiva
akaita bepa rokutanga mubumbiro rekare rezvidzidzo reChiShona.
Nekuda kweshanduko iyi, ndinoona zvine ungwaru kupa chikamu
cherondedzero nguva inoita iyo awa yose. Awa inoita kuti munyori
webvunzo anyatso -tora nguva yake achinyatsonyora rondedzero yake
yaanenge asarudza, uyewo kuti munyori webvunzo awane nguva
yekuita dzokororo kuti akwanise kugadzirisa mhosho dzaanenge aita.
Kusadzokorora basa rerondedzero hakuna kunaka zvachose, sezvo
zvichiita kuti munyori webvunzo azorasikirwa nezvibodzwa nekuda
kwemhosho dzaanenge aita akatadza kudzidzokorora. Kurudziro yangu
ndeyekuti ngazvive
Usaita manyawi kusarudza musoro wakaoma uchisiya wakapusa nechikonzero
chekuti unonyorwa neruzhinji, kuda kuonererwa.Zviri nane kunyora
mubvunzo wakapusa mobudirira mose, pane kuti iwe wokundikana
nekuda kwekuda kuzama zvinogozha uchida kuzviita gamba, unofa
wakasvinura sematemba. Muchaona kuti kana iri rondedzero yenyaya,
munyori webvunzo anogona kupedzisira ave kunyora twunyayanyaya
nokuda kwekuti anenge asarudza musoro waasingakwanisi kunyora nyaya
yaanogona kusvitsa mapeji mana. Kana zvadai,rondedzero inenge yava
kukwenyerwa kwa25 kwete 50. Kazhinji kacho munyori anenge atotarisana
nekukundikana. Nokudaro, munyori ngaaite sarudzo yakanaka, sezvo
mukwenyi webvunzo asingadzori tsvimbo nekuda kwekuti wada kutaridza
hugamba pahusingakwani, uye kuti haazombokunzwiri urombo kana
ukanyora twunyayanyaya kunyange twunyaya twako twukanakidza sei.
d) Mibvunzo yerondedzero inenge iri minomwe yakapihwa manhamba
1a, 1b, 1c, 1d, 1e, 1f ne1g. Munyori webvunzo anokurudzirwa kunyora
nhamba yemubvunzo chete, sekuti, 1g. Vanyori vebvunzo vazhinji
vanofarira kunyora nhamba yemubvunzo nemubvunzo wacho, kana
zvadai mukwenyi webvunzo anosununguka kukwenya zvose zvanyorwa
nemunyori webvunzo kubva pamubvunzo. Vanyori vebvunzo vazhinji
vanowanzotadza kunyora kubva pamubvunzo chaiwo, zvinobva zvaita kuti
mhosho dzavo dziwande, zvinova zvinoderedza gohwo remunyori. Kana
zviri izvo zvinokurudzirwa kune zvimwe zvidzidzo, ngazvisarire ikoko,
sezvo kurondedzero zvichitaridza kuti zvine njodzi kukopa mubvunzo.
NB: Runyoro, kuumba mavara zvakanaka, kubatanidza nekupatsanura
mazwi kwakanaka uye kushandisa zvirungamutauro; zvinofanirwa kuwanikwa
murondedzero imwe neimwe.

Chimiro cherondedzero
Rondedzero yoga yoga ine zvikamu zvitatu zvinoiumba zvinoti, mavambo,
mutumbi nemhedziso.
i) Mavambo
Rondedzero yakarukwa zvakanaka inenge ine hwaro hwakanaka
hunogona kukwezva mukwenyi,obva abiwa pfungwa nekuda
kwekunakidzwa nemavambo. Mavambo (nhanganyaya)inzwisa
yezvatichawana mumutumbi. Nhanganyaya ngaiite kuti muverengi
webasa rako ave nechidokwa-dokwa chekuda kuverenga nyaya yako.
Mavambo ngaave mapfupi, akananga
yekufambiswa kwamashoko, vapoteri, zvidzidzo zvenhaka
yemusiidzanwa nezvimwewo.Ruzivo urwu runogona kukwapwa
mumapepanhau, madzimudzangara, zvivhitivhiti, dandemutande
nezvimwewo. Kune zvirongwa zvakaita sanaMai Chisamba Show
zvinobuda nyaya dzakasiyana-siyana dzinenge dzichipisa munyika
panguva iyoyo, zvinobatsirawo zvakare. Rondedzero kana
ichiongororwa kunotariswa kuti nyaya yabuda zvakanaka here,
kupa pfungwa dzakawanda chero kutodarika dziri pagwenyeso,
izvi zvinoita kuti munyori adonhere muchikero chepamusorosoro.
Kunotariswawo zvekare nzira dzemanyorerwe dzashandiswa
dzinosanganisira nhongoreramberi, nhongorerashure, kutangira
pakati nekushandiswa kwezvirungamutauro. Kunotariswawo
zvekare nyaya yemanyorerwe akanaka eChiShona anosanganisira,
kubatanidza nekupatsanura manzwi zvakanaka, zviperengo, kuumba
manzwi, kunyora zvinoonekwa, zvinoverengeka, zvakachena,
kuronga zvikamu zvichinatsoyerera zvakanaka, kuumba mavara
zvakanaka nezvimwewo. Kunyange munyori wemubvunzo akapa
pfungwa dzakanaka uye kuwanda zvakadii, kana akatadza
manyorerwe akanaka eChiShona, unogona kukoromoka kubva
kumusorosoro kusvikira kuzvibodzwa zviri pasi pe25 kana mhosho
dzake dzikadarika makumi matatu.

2. Mhando dzerondedzero
Rondedzero dzine mhando dzakasiyana-siyana dzinoti
yenyaya(tsumo), tsanangudzo (inzwi rimwe), tsamba (yebasa
neshamwari), nhaurwa, gakava, hurukuro nemhan`aro.

a) Rondedzero yenyaya
Rondedzero yenyaya inogona kuuya nenzira mbiri,iri tsumo
kana yakanzi nyora nyaya inotanga kana kupera nemazwi
anoti......Mhando yerondedzero iyi ndiyo inowanzofarirwa
nevadzidzisi nevanyori vebvunzo padanho reO-Level, ichiita kuti
vakohwe mamakisi akawanda kana yanyorwa zvakanaka,asi
pane zvinoda kuchenjererwa nemunyori webvunzo kana
asarudza musoro werondedzero yenyaya.

Tichatanga kutarisa rondedzero yenyaya inouya iri tsumo. Chekutanga


munyori anofanira kunge achinyatsoziva zvinoreva tsumo yapiwa.
Munyori webvunzo anogona kutanga nekutsanangura zvinoreva
b) Rondedzero yetsanangudzo
Inogona kuuya riri inzwi rimwe chete kana ndevo, sekuti inzwi
rimwe, upoteri, nzara, hondo, gomarara, korera kana ndevo sekuti,
kukosha kwemiti munyika yeZimbabwe, kukosha kwekurima
mukurarama kwevanhu munyika yeZimbabwe, mafashamu kana
kuve nedivi rimwe chete, asi isina kurerekera kune dzimwe mhando
dzerondedzero sekuti, semaonero ako ndezvipi zviri kukonzera
tsaona mumigwagwa mazuva ano? kana, ndezvipi zviri kutadzisa
kuti zvidzidzo zvebumbiro idzva zvinyatsobudirira zvakanaka?
Rondedzero yetsanangudzo inongonyorwawo sedzimwe rondedzero,
asi kana iri yeinzwi rimwe chete inoda, kutanga nekutsanangura
inzwi racho, sekuti nzara, kushaikwa kwechikafu kunokonzerwa
nekusanaya kwemvura. Munhanganyaya yerondedzero yeinzwi
rimwe (tsanangudzo) ngamudomwewo zvikamu zvemubvunzo,
zvauchashandisa kuzozamura mubvunzo wapihwa. Zvimwe zvezvikamu
zvacho ndezvinotevera;

i) Pazvinowanikwa
ii) Mhando
ii) Zvinokonzerwa nei
iv) Zvinotanga sei
v) Zvakanakirei
vi) Zvakaipirei
vii) Zvinogona kupedzwa sei
viii) Zvingaitwe kupedza\kugadzirisa
ix) Matanho anotorwa
x) Zviratidzo
Muchaona kuti pamusoro papihwa zvikamu zvakawanda chose,asi
pamubvunzo panogona kuda zvikamu zvina kana zvishanu chete,
semuenzaniso pamubvunzo wekuti ushamwari panogona kuda
kutsanangurwa zvikamu zvimwe zvinoti:
i) hunotanga sei
ii) mhando dzeushamwari
iii) hwakanakirei
Ndini Wenyu akatendeka
Ropafadzo Taguta
NB. Kana mudzidzi\munyori webvunzo ane dambudziko rekunyora
chinangwa\donzvo ngaasiye,sezvo asina zvaanorasikirwa nazvo uye
hazvikanganisi pakugutsa mukwenyi (impression). MaAbbrevations
anotambirwa chete ndeepana Post Office Box (P.O.Box 230) kwete pane
Private Bag. Private Bag inonyorwa yakazara nguva dzose.Kurudziro
ndeyekuti Post Office Box ngainyorwe yakazara, sezvo vadzidzi vazhinji
vanowanzoita dambudziko rekuresva pekuisa zvimiso, izvo zvinoita kuti
mhosho dzavo dziwande zvozokanganisa goho ravo. Zvirungamutauro
ngazvishande pazvinokodzera asi, hazvizonyanyowanda semurondedzero
yenyaya.
Tsamba yebasa inongonyorwa nemapeji mana.
Zaka High School
Post Office Box 230
Jerera

03 Kubvumbi 2019

Mukuru wechikoro
Zaka High School
Post Office Box 230
Jerera

Wadiwa Changamire
Ndanyora tsamba iyi kwamuri ndichida kukupai zvikonzero zvinotadzisa
vana vedanho reO-Level kuti vabudirire mubvunzo dzavo nemazano
angaitwa kuti vabudirire.
Dambudziko rekutanga kushaikwa kwedandemutande reruzivo pachikoro.
Nguva zhinji varairidzi vanouya kuzopa vana basa rekuti vandoita tsvakurudzo
pachavo pamusoro pechidzidzo chavanenge vachiita. Dandemutande iri
rikashaikwa vana havakwanisi kutsvaga ruzivo rwakakwana zvinoita kuti
vagozova nenyunyuto nechikoro.
Kushaikwa kweimba inowanikwa mabhuku ekuverenga kunyanya mabhuku
matsva ane ruzivo rwaikozvino. Pane nguva iya inopiwa vana kuti vaverenge
panguva dzavanenge vasina zvidzidzo. Nguva iyi inovhiringidza vaya vane
shungu nechikoro nokuti vamwe vanenge votoita ruzha zvinokonzera kuti
vasaverenga saka panenge pachidiwawo imba yekuverengera.
Ndakavakisa zvimbuzi mudzimba dzemudunhu rino izvo zvakaderedza
chirwere chemanyoka chaiva chatishanyira, chatekeshera.
Ndakasarudza komiti yaimiririra nezveutsanana hwemudunhu redu.
Ndakaisawo mutemo wekuti hapana mhuri yaifanirwa kushaya
chimbuzi.
Ndakaita chirongwa chekubhadharira vana vechikoro mari
vaya vanoshaya nenherera. Kubhadharira vana mari yechikoro
kwakaderedza huwandu hwevana vasingaendi kuchikoro uye zvakaita
kuti dunhu redu ribudirire panyaya dzedzidzo. Ndakatengera nherera
zvipfeko nemabhuku ekuendesa kuchikoro.
Semumiriri wedunhu rino ndakawedzera kuvaka madhibhi izvo
zvakaita kuti mombe dzigare dzakagwinya. Ndakatsvaga nzvimbo
dzakakodzera kuti mombe dzifurire kuitira kuti dzisafurira pose pose,
izvo zvakaderedza kukukurwa kweivhu.
Ndakavakisa nzvimbo dzekutandarira dzevechidiki idzo dzaita
kuti vataurirane matambudziko avari kusangana nawo. Ndakaita
chirongwa chekuhoresa mari chembere dzisingachakwanisi kuita
mabasa emaoko. Ndakaisa komiti inowachira nokubikira vakweguru
pamazuva avanenge vakasununguka.
Ndakakwanisa zvekare kuvakira haridzofanzirofa dzimba. Ndakaita
chirongwa chekuhoresa nherera nevanoshaya chikafu mwedzi
nemwedzi uye ndakahoresa vagari vose vemudunhu mbeu zvose
nefetiraiza, izvo zvakaita kuti nzara iderere pamakore apfuura
mudunhu redu.
Semwana wenyu ndakaita chirongwa chekukwevesa magetsi, izvo
zvakakwidziridza budiriro yedunhu redu.Ndakasarudza madzimai
muraini roga roga anobetsera vana vanenge vawirwa nematambudziko
akaita sekushungurudzwa pabonde nemupfungwa.
Vakuru vakati, natsa kwawabva kwaunoenda usiku, saka ini ndinoti
kwamuri pamberi nekubatana, pamberi nebudiriro. Mashoko
andinokusiirai ndeekuti muchengetedze runyararo mudunhu rino.

e) Rondedzero yegakava
Imhando yerondedzero inenge ine vatambi vaviri vanenge
vachikakavadzana kana kupa pfungwa dzinenge dzichipikisana.
Ngavave vatambi vaviri chete. Kana munyori webvunzo akanyora
rondedzero yegakava ine vatambi vatatu, zvibodzwa zvose
zvinotaurwa nemutambi wetatu hazvitambirwi, asi mhosho dzaanoita
pamutambi wetatu dzinotariswa, saka panoda kungwarirwa chose
kuitira kuchengetedza zvibodzwa. Mubvunzo wegakava unoda
VaTarumbwa: Zviri nyore kudaidza n`anga kuti izokurapira pamusha
pako pane kudaidza chiremba wekuchipatara.
Chiremba anoda mari yakawanda kuti auye pamusha
pako.
Roparembwa: K
uzvipatara kunochengetwa vanhu vakawanda
vachipiwa mibhedha nezvekudya zviri nani, asi
kun`anga hakuna zvakadai. Kuzvipatara kune
utsanana pane kun`anga.
VaTarumbwa: K
 un`anga kwakanaka nekuti n`anga dzinokurumidza
kubatsira murwere kudarika muzvipatara vanotora
nguva vachiongorora. Kana vapedza vozokurapa
murwere achingorwadziwa.
Roparembwa: Kuzvipatara kwakanaka nekuti kana chirwere chanetsa
vezvipatara vanokuendesa kunana mazvikokota
vemhando yechirwere chako asi n`anga hadzidaro.
VaTarumbwa: Pan`anga unogona kuvhakachira hama yako panguva
yose yose yawada. Kuchipatara unopihwa nguva
shomashoma yekufamba-famba asi usingabudi kunze
kwegedhe.
Roparembwa: V
ezvipatara vane motokari dzekutakura varwere
kuenda kune zvimwe zvipatara, asi n`anga hadzina.
Kun`anga ukanyanya kurwara uripo hapana mota
inokwanisa kukutakura kuti udzokere kumusha kwako
unongofirapo.
(VaTarumbwa vanosumuka vakabata muchiuno vachiratidza kuvira
nehasha. Roparembwa anobva ati hutu kudzokera kumba kwake.
VaTarumbwa naRoparembwa vakaparadzana gakava iri risati rapera).

f. Rondedzero yehurukuro
Inonyorwa sezvinoitwa mabhuku emitambo. Inotangawo
nenhanganyaya iri ndima yakazvimiririra, inozivisa mazita evaviri
vari kukurukurirana nezvavari kutaurirana zvacho, zvabvunzwa.
Inoteverwa nemuviri werondedzero tambodarika mutsetse. Pane
mazita evatauri mukati memajini, oteverwa nezvimiso zvinenge
zvakaturikidzana zviri mumutsetse wakatwasuka kusvika zasi
kwepeji, zvichipatsanura manzwi evatauri nemanzwi avo kurudyi
kwemazita avo sezvizvi;
Nobert: Tsaona zhinji dziri kukonzerwa nevatyairi vari kutyaira
c) Semukuru wechikoro, nyora mhan`aro kumumiriri wedzidzo
yePuraimari neSekondari wemudunhu menyu uchimutsanangurira
mafambiro ari kuita zviri kubuda pabvunzo dzeO-Level pachikoro
penyu sezviri kubuda papayi chati riri pazasi.
Pfupiso
Kunyora zvakakosha zvese nemanzwi mashoma ako, pfungwa
dzakapfumana zvakanaka, muchikamu chimwe chete.

Zviga zvakakosha papfupiso


(i) Ngaive chikamu chimwe
(ii) Kushandisa mutauro wako usina zvirungamutauro
(iii) Pfungwa ngadzibatanidzwe nesungawirirano yakanaka
(iv) Pfungwa huru ngadzibatanidzwe nemazita enzvimbo kana
vatambi
(v) Pfungwa huru ngadzidaridze nomwe kuti udenhure zvinemutsindo.

Zvinhu zvinokonzera njodzi pakunyora pfupiso


- Kushandisa mutauro wakavanda nekutapura mitsetse
zvinokonzera kuti ushaye chibodzwa chemutauro (L-0)
- Kuita zvikamu zviviri (maparagirafu maviri) munyori anoshaya
chibodzwa chendima (p-0)
- Kusaronga pfungwa kunoita kuti pasave nesungano yepfungwa
worasikirwa nechibodzwa. (c-0)
- Mudzidzi akanyepa, akaresva chiperengo, zita remunhu kana
nzvimbo anorasikirwa nesungawirirano.
- Kuwanzisa manzwi kudarika muganhu wakatarwa. Ose manzwi
anodarikira mberi kwe (50), hakwenywi kudai chero kune
pfungwa zhinji.
Saka kudaridza chipimo zvakafanana neusina kunyora nekuti
zvese zvemuraudzo hazvina unotarisa.
- Kunyora pfungwa huru dzisina kubatanidzwa nemazita evanhu
kana nzvimbo pfungwa idzodzo hadzikwenywi.
- Pfungwa dzinobuda dziri mumutauro wakavanda hadzikwenywi.

Chenjedzo: Mudzidzi ngaagone patsanuro nebatanidzo yemanzwi


nokuti mukwenyi anopatsanura nekubatanidza manzwi.

Kutsvaga pfungwa huru dzepfupiso


Nzira 1
4 (a) VaChagwiza vakaisirei chibage chavo mukirasi? (1)
(b) VaChagwiza vakaregerei kukiya kirasi yavakaisa chibage?(1)
(c) Ndezvipi zvinhu zviviri zvisina kuzivikanwa nembudzi? (2)
(d) Ndezvipi zvinhu zviviri zvaitaridza kuti mbudzi dzainge dzave
nejakafiri? (2)
(e) Tsanangura zvinoreva manzwi aya ari mundima
i. mubhidhi mubhidhi (2)
ii. gwidhi – gwidhi (2)
iii. kurohwa nehana (2)
iv. kumhemhaira nemusha (2)
(f) N
yora manzwi ari mundima anoreva zvimwe chete
netsananguro dzinotevera
i. dzichifura (1)
ii. runyararo (1)
iii. nhamo (1)
iv. kuronga zvekuita (1)
(g) C
hii chakafadza zvikotora, uye izvi zvichiitika, ndechipi
chimwe chaiitika? (2)
(h) N
yora pfupiso yendima iyi nemanzwi ako asingapfuuri
makumi mashanu. (10)

Mubvunzo 4

Verenga detembo iri ugopindura mibvunzo inotevera


Madzitateguru matiregerera
Hatichaziva pfumo rotidya
Denga raramba kudonhedza misodzi yaro,
Mhuri yopera nechakapedzambudzi imi makaringa,
Zvipfuyo zvapera kumokoteka nenyota,
Ingotipai donhwe roga madzitateguru.
Mubvunzo 7

Nyatsoverenga nyaya iyi ugopindura mibvunzo inotevera neChiShona.


“Hama dzangu, chako wega mukonde wesadza”, akadaro Muwani
achitaura kuvanhu vainge vadaidzwa pamba pake kuzonzwa
zvaimunetsa. “Ini handichazivi rokubata.” Misodzi yakati ngara
mumaziso. Akananzvira miromo yainge yaparuka pamwe
nokucheneruka seyazorwa dota. “Handina kukudanirai mauya kwete,
pano pabarwa chitachamutambwe chemhosva”.
“Sahwira ndikubate muromo”, akadaro Musimudzi nezwi rakashinga
asi rizere kutambura kukuru. “Chiregosweropoterera seunokwira
gomo. Taura chakananga tichitoita muonerapamwe.” Akabva akwenya
musoro wake waiita sewazorwa upfu neidzo imvi.
Muwani akabva ati, “Mwanakomana wangu Ruzvidzo akaenda Hwange
kubasa uko akadanana nomwanasikana waMapisire aidzidzira basa
roukoti ndokumuitisa pamuviri. Zvose izvi ndaisambozviziva bodo.
Nezuro chaiye ndopaakauya nomwanasikana wavaridzi achiti, “baba
ndauya nomuroora wenyu atokurirwa, chizivai zvokuita.”
“VaMbire veHwedza”, Musimudzi akadaro aona kuoma kwenyaya iyi.
Chakandikanga mate mumukanwa ndechokuti mwana haana
kumbenge andizivisa kuti baba ndakura. Vabereki vomudzimai
wake havazivi kuti mwana aremara. Hapana kana hama yomuroora,
mukoma kana tete anoziva zvaita mwana. Iko zvino mwana
wavaridzi ava kutobinyauka achiti nyoka dzoruma”. Vazhinji vaivapo
vakakahadzika vakazunza musoro nokudembera Muwani.
“Hi-i” akadaro mumwe musharukwa ainzi Devedzo. Inga chakuwana
uri mubani, mwana wasahwira wababa vangu vari pachuru. Vana
vatinozvara ava inga inhamo dzomwoyo.”
Devedzo achangopedza kudaro kwakanzwika mhere yaityisa kubva
mumba makanga murere Runeni, mwana waMapisire. VaMunhamo,
mudzimai waMuwani avo vaive naRuneni mumba umu vakasheedzera
murume wavo nenzwi rakakwirira. Vakanga vashaya mhindu dzokuti
vangabetsera sei muroora wavo. Meso avo akanga abuda panze
seachadonha, ziya rosinina kumeso. Dambudziko guru raiva rokuti
Runeni akanga asina kudya miti inodiwa uye mwana akange asina
kugara zvakanaka mudumbu.
“Zvino toita zvokudini, veduwe imi?” Muwani akadaro ochema
achidzana-dzana akamira panhu pamwe sechikiti chakatsika zvitina
zvinopisa. Imwe chembere yakabva yapindawo ikaona zvisingabviri.
Chembere iyi yaizivikanwa munharaunda nokuva nyamukuta.
CHIKAMU 3: ZVIRUNGAMUTAURO 4007/2

Chikamu chino chine zvirungamutauro zvinosanganisa tsumo,


nyaudzosingwi, madimikira pamwe chete nefananidzo.
Zvirungamutauro zvine mataurirwe azvaiitwa kare hazvishandurwi.
Mataurirwo aya hashandurwi shandurwi anotaurwa sezvaaitwa
pasichigare. Chikamu chino chine mibvunzo mitatu. Panonzi pindura
chero miviri yawanda, Q1, Q2 or Q3. Kupasa pabvunzo kunotangira
pasarudzo, kugona kusarudza mibvunzo yakakurerukira kupinda yese
ndipo pane mavambo okukunda mubvunzo. Kureruka komubvunzo
kunosiyana pamunhu nemunhu, saka mudzidzi ngaasarudze miviri
yakamurerukira.

Tsumo
Q1: Mubvunzo wokutanga unotaura pamusoro petsumo. Tsumo
dzinogona kubvunzwa nenzira idzi (5 marks)
[A] Kuzadzisa pakashama petsumo.
[B] Kupa tsumo yakafanana neyakapiwa.
[C] Kupa tsumo inorandurana neyakapiwa.
[D] Kupa tsananguro/dudziro yetsumo.
[E] Kupa tsumo ine tsananguro yakapiwa.
[F] Kuumba tsumo kubva pamanzwi akapiwa.

Kuzadzisa pakashama petsumo

 Mibvunzo yemhando iyi yakareruka chose kana uchiziva kuti


tsumo dzakapiwa unoziva mazadzisirwo adzo. Kana usingazivi
mazadzisirwo mibvunzo iyi inogozha chose. Zvine njere kuti
munyori averenge zvaanogona kupindura kuti zvingani, kana
zviri zvishoma zvoreva kuti edza chimwe chikamu, chaungaita
zvirinane. Ungwaru pabudiriro hunotangira pakugona kusarudza
mibvunzo pane yakapiwa. Kana ukatadza kusarudza mibvunzo
yaunogona unogona kukundikana asi une mukana wokukunda.
Mibvunzo yekuzadzisa tsumo iri nyore kupima kuti unoyigona
here kana kwete. Tsumo yaunoziva unoiziva yausingazivi hauzive.
1. Mbudzi kudya mufenje hufananyina
- Munhu anotodza kwaakabva.
2. Chisi hachieri musi wacharimwa
-  Chinhu chakaipa hachibudi musi wachaitwa,
chinozobuda nekufamba kwenguva.
3. Tsapata rukukwe hazvienzani nokurara pasi.
- Munhu ane chisharu/chidiki ari nane pane asina.
4. Chitsva chiri murutsoka.
-  Munhu anodzidzawo zvaange asingazive kubva
mukufamba kune dzimwe nzvimbo.
5. Tsuro haiponi rutsva kaviri.
- Munhu anogara achiita zvakaipa anozodzimara abatwa.
6. Dzingidzi gonyera pamwe maruva enyika haaperi.
- Munhu anofanira kugutsikana nezvaainazvo.
7. Simba rehove riri mumvura.
-  Munhu anokwanisa kuita simba ari panzvimbo pake,
kwevamwe anenge usina.
8. Kakara kununa hudya kamwe.
- Munhu anobudirira/kusimukira nokutsikitsira vamwe.
9. Manhanga anowira kusina hari.
-  Makomborero anowanzowira kune vanhu
vasingakwanise kuashandisa
10. Chidembo hachivhiirwi paruzhinji.
-  Hurukuro dzakadzama hadziitirwi pane vanhu
vakawanda.
11. Mbeva zhinji hadzina mashe.
-  Vanhu vakawanda pabasa kazhinji basa hariitwi
nemazvo.
12. Rina manyanga hariputirwi.
-  Hapana chinogona kuitwa muupenyu chakavanzika
chisingazobudi.
13. Totenda dzamwa dzaswera nebenzi.
-  Usatenda chinhu usati wachiwana/kana chisati
chabudirira.

Iyi mhando yemibvunzo inorema chose kuvadzidzi, kuti iite nyore


vadzidzi vanofanira kuidzidzira kwenguva refu vachigadzirira bvunzo.

Kupa tsumo dzine tsanangudzo dzakapiwa


vi) Kupinda nemwenje mudziva
vii) Kunzwa parere moyo
viii) Kuomesa gotsi

3. Ipa tsananguro/dudziro yemadimikira aya.


i. Kuigochera pautsi
ii. Kufuga rako wega
iii. Kutsenga mvura ichibuda masvisvinwa
iv. Kurimirana pamuganhu
v. Kuva noruoko rurefu.
vi. Kurovera moyo kudombo
vii. Kugarira guyo sembwa
viii. Kuva munhu wousiku.

4. Zadzisa madimikira aya


i. _________ pasi
ii. _________ risifembiri
iii. _________ panyama nhete
iv. _________ nomusana
v. _________ munzeve
vi. _________ guva
vii. _________ demo
viii. _________ kunzara
ix. _________ kwese
x. __________ rwamutavanhava.
Aya ndiwo amwe amabvunzirwe anoitwa madimikira. Zvakakosha kuti
somudzidzi munhu agadzirire nzira dzakasiyana-siyana dzinogona
kubvunzwa nadzo madimikira. Izvi zvinoita kuti musi webvunzo,
bvunzo isazoita senyati yatiza nepfumo mudundundu.

Fananidzo|Enzaniso (5 marks)
Fananidzo ienzaniso yechinozikanwa nechisingazikanwi. Fananidzo
dzakare ndidzo dzinoshandiswa kwete dzanhasi. Fananidzo idzi dzine
mataurirwo adzaiitwa kare anofanira kuramba akachengetedzwa.

Heinoi imwe mienzaniso yefananidzo


- kunzvenga nzvenga senyenganyenga|mherepere|chikonjana
CHIKAMU 4: MISAMBO

Misambo maitiro nemataurio evanhu veukama hwakasiyana–siyana.


Maitiro nemararamiro zvinobata matauriro nehukama hunenge
huri pakati pevanhu. Ukama huri pakati pevanhu ndiwo hunopa
maitiro nematauriro. Mhando youkama ndiyo inobara matauriro
nemaitiro evanhu zvobva zvazvara misambo yakasiyana-siyana.
Nzvimbo, nguva nezera zvine chekuitawo nemando yemusambo
ungashandiswa.

Chisekedzani
• Maitiro evanhu vanoukama hwakasununguka, vanoshandisa
mutauro wokufara uye vanowirirana. Mutauro wavo
wakasununguka chose. Chisekedzani chinowanikwa pachiramu,
chisahwira, chishamwari, nepachizukuru nepamwewo. Vanhu
veukama uhwu vakasunungukirana chose, saka kusekedzana
hakushaikwi. Maitiro nematauriro avanhu ava akasununguka
chose kana vari pachavo asi kana paita munyarikani maitiro
nematauriro anogona kusanduka chose.

Chisekedzani

chiramu chisahwira chizukuru chishamwari

Chiramu
Uyu musambo unowanikwa kana murume wemukadzi achitamba
nevanin’ina vemukadzi kana vana vehanzvadzi dzemukadzi vasikana.
Pasiripo pega chiramu chinowanikwa pakawanda donongodzawo kuti
chiramu chinogona kubudawo paukama hupi?
Musambo wechiramu wakasununguka chose, une kunemerana,
musara muchohwe, jee nemabimbiri. Vanhu vehukama hwechiramu
vane kufarirana nekusekedzana pasina zvinotsamwisa. Mabimbiri
aiitwa nemunhu asati aroorwa. Aitambwa naye zvakati pfuurei,
vaishoorana zvine mutsigo paitaurwa zvinonyadzisa asi zvaigumira
ipapo. Kushinhwa nemunhu akaroorwa kwainzi kwaiera.
Chiramu chainyanyotambwa kunyanya varamu vari vega. Ipapa
paigona kuzopedzisira nhembe dzadarikwa. [Varamu vanenge
vakarasa muswe].
Muchivanhu pakushaikwa kwembereko babamukuru vaitora mainini
muramu kuti musha ukure, asi izvi zvaiita kuti vana vanyamunhu
5. Ipa zvinoreva manzwi aya;
i. akakunanzvisa chete. [1]
ii. madarikanhumbi [1]

Chizukuru
Chizukuru chinotambwa nemadzimbuya namadzisekuru nevazukuru
vavo zvisinei vakomana kana vasikana. Chizukuru chinobuda
pakawanda pahukama hwevanhu vakasiyana-siyana. Ini regai
ndinyanye kubata chizukuru chomunhu anoenda kuhanzvadzi dzamai
vake nevakadzi vadzo. Muzukurukomana unoenda achiti vakadzi
vehanzvadzi dzamai vake vakadzi vakewo. Muzukuru anotorera vana
sekuru vake vakadzi.
Kana pasina vanyarikani hapana chisingataurwi pahukama uhwu,
kusvika kuzvinyadzi. Ukama uhwu hwakasununguka chose. Vanhu
ivava vanogona kunemerana chose. Hanzi chisekedzani pachizukuru.
Muupenyu muzukuru aienda nemusikana kana mukomana wake
kwana – sekuru nambuya. Apa ndipo paibuda utukwa. Vana mbuya
vanoti kumusikana auiyiwa naye watitorera murume wedu. Vana
sekuru vachitiwo kumukomana auyiwa naye watitorera mudzimai
wedu. Apa paibuda utukwa nenyaya dzekutorerana torerana.
Hazvaizoguma zvakadaro, vaizoraira vazukuru vavo zvokubata musha
kwakanaka vaizovayambira nematambudziko avaigona kusangana
nawo muupenyu.
Muzukuru ainge akanakira kuti ndiye aizogova nhaka yasekuru vake
kana vafa. Ndiye aiyananisa sekuru nambuya kudai chero vachirwa
vari muimba yomukati. Muzukuru aigona kurairwa nasekuru
vachirwara voda kufa zvavaida kuti zvizosara zvichiitwa kana vafa.
Iye muzukuru aigeza sekuru vake kana vafa vasati vavigwa.
Vamwe vazukuru vaizopira zvinotevera sekutamba kusina kunaka
namadzimbuya mabimbiri nebonde. Zvisinei chizukuru chaigona
kuregwa kana paine vanyarikani.

Mibvunzo ingabate pachizukuru


1. Tipe rongetedzo youkama hwavanhu hutatu hunobudisa
musambo wechizukuru. [3]
2. Doma zvitatu zvakanakira chizukuru.[3]
CHIKAMU 5: MAUMBIRWO EMUTAURO

Chikamu chino mubumbiro idzva redzidzo chine mibvunzo mishanu


umwe neumwe une zvibodzwa gumi. Mwana anosungirwa kupindura
mitatu chete yaanoda. Dambudziko guru remwana riri pakuita
sarudzo. Kutadza kusarudza zvaunogona kureva kuti watokundikana
pakupindura mibvunzo. Imwe mibvunzo yemaumbirwo emutauro
yakatsvukira kunze asi mukati muzere masvosve. Mibvunzo iyi
inotaridza kureruka pakutanga pane zvibodzwa zvishoma asi kana
woramba uchiteverera unotaridza kuti wokuremera zvokuti chero
newe unonzwa kuti handisi kupindura asi kuumburuka mberi
komubvunzo. Kugona kusarudza mibvunzo mitatu yakakurerukira
pane yose ndiko kuti uite zvakanaka. Bhuku rino richabatsira kugona
kusarudza mibvunzo yaunogona kuti ugone kudenhura mamakisi
mazhinji pamibvunzo mitatu yaunenge wasarudza.

Mazita
Pamazita panobva mubvunzo unobvunzwa. Mhando dzemibvunzo
ingabva pamazita ndeiyo.
i. Kuisa mazita mumipanda
ii. Kubudisa madzitsi nezvivakashure
iii. Kuisa mazita ari mumupanda umwe pawo oga.
iv. Kupa mienzaniso yemazita ari mumipanda yakapiwa.
v. Kutsanangura zvivakashure zvetsoropodzo
vi. Imwewo mibvunzo inogonawo kuuya nezvinzvengure yakaenda
nepadivi.
Mienzaniso yemibvunzo ichapindurwa muno ichakuchenjedza
pamusoro pemazita mubvunzo dzauchanyora padanho re’O’ level.

Mubvunzo (1997) unoita woga.


3. Ongorora mazita anotevera ugopindura mibvunzo iri pazasi pano
Mwenga Kutya Kuimba
Dete Uroyi
Rudo Ruva Sadza
Kufa Murume Mukoti
Ugaro Detembo Utsanana
Kuda
Isa mazita ari mumupanda umwe chete pawo ega ugo doma mupanda
wacho. Ita izvi kusvika waronga mazita ose akapiwa.

4. Umba mazita padzitsi iri –sikana gumi kubva pamipanda


yakapiwa.
2,3,4,7,8,9,13,14,21,18

5. Ipa musiyano iripo pamipanda iyi:


Mu- (1) Mu- (3) Mu- (18)
Va- (2) Va- (2a)
Ku- (15) Ku- (17)

Zvidudziramazita
Pazvidudziramazita panobvawo umwe mubvunzo wemaumbirwe
emutauro. Panoda kuti munhu azive mhando dzezvidudzira
mazita zvese neenzaniso dzechimwe nechimwe nezvazvinoshanda
muupenyu. Mudzidzi anofanira kugona kunyukura zvidudziramazita
kubva mundima, nekugona kutsanangura maumbirwe azvo.
Seizvi;
Chipauro
Chivakashure chechipauro + dzitsi rechipauro
Mu- +- tsvuku
Zviratidzi
17 a) Ita kuti manzwi anotevera ave zvindori.
Mai ini omene
Gudo diki upfu
Mhara vanokara (4)
b) Uchishandisa zvindori zvawaumba pamusoro, tsanangura
maumbirwe ezvindori (6)
Haanoi mapindurirwe anoitwa mubvunzo uri pamusoro
a) ndiamai ndini ndomene
igudo idiki upfu
imhara ndevanokara
b) chiwedzererwa chechindori + dzitsi rechindori
ndi- + -mai
i- + -gudo
nde- + -vanokara
(h-)- + -upfu
Kana kuti i- inobatanidzwa nemazita nezvipauro zvemupanda 5,9,10
sekuti i-gudo (zita,5), i-diki (chipauro,5,9 ne10)
Taridza zviwedzerwa nemadzitsi ezvindori zvinotevera.
ndini ndeumwe ndaawo murume
nditete igarwe itsvuku zigomana
(10)
NB.Mubvunzo uyu unopindurwa sezvizvi;

Chiwedzerwa chechindori Dzitsi rechindori


i- -gudo
i- -mhara
nde- -mumwe
h- -murume
nda- -awo
19.Tsanangura uchitsigira nemuenzaniso nzira dzinoshandiswa
kuumba nadzo zvindori.(10)
Mubvunzo uyo unopindurwa sezvizvi;

You might also like