O Level Shona Revision Guide
O Level Shona Revision Guide
Updated Curriculum
C H I PAT O V E N G E S A I & TA G U TA N O B E R T
CHIPATO VENGESAI & TAGUTA NOBERT
Edulight Books
Throgmorton House
Cnr Samora Machel Ave/Julius Nyerere Way
3rd Floor, Room 312
Email: [email protected]
ISBN:
All rights reserved. No part of this publication may be reproduced, stored in retrieval system
or transmitted in any form or by any means, electronic, mechanical, photocopying, recording
or otherwise without the prior permission of the publisher.
ZVIRIMUKATI
Kumudzidzisi
• Rinobatsira madzidzisiro eChiShona mutauro.
• Rinobatsira pakupa mazano ekugona kuona zvinodikwa nebumbiro
rechidzidzo cheChiShona mutauro.
• Rinorerusira mudzidzisi basa pakudzidzisa.
Rairo Kuvadzidzi
Chikamu chimwe nechimwe chine rayiro yacho inoenderana nezvinodiwa
pachiri,naizvozvo rayiro idzi dzakaiswa padzinokodzera.
CHIKAMU 1: RONDEDZERO PADANHO REO-LEVEL
1. Nhanganyaya
Rondedzero padanho reO-Level ndicho chikamu chinoda kuti
chikosheswe zvikuru kupeba rokutanga (Paper 1) reChiShona
Language. Chinoita kuti chikamu ichi chide kubatwa zvakanaka
ndechekuti, rondedzero ine zvibodzwa makumi mashanu(50),
pazvibodzwa makumi mashanu zvebepa iri. Rondedzero ikaitwa masiya
ndaita nemudzidzisi nemudzidzi inova gangaidza mukwenyi mhezi
yavavira mudumbu, sezvo rondedzero ine zvimwe zvinhu zvakavanzika
zvekuti zvikasadzumbunurwa nemazvo gohwo rinogona kuita shoma.
Nekudaro,donzvo rechinyorwa chino nderekuzama kuyanika pachena
zvakavanzika kuti munyori webvunzo aite gadziriro yake yakanaka
zvinoita kuti akwanise kukunda zvakanaka, uye kuti awane gwara
rakanaka rekuti abudirire pachikamu ichi.
Yambiro
a) Kuuya kwakaita bumbiro idzva rezvidzidzo rakavandudzwa,
kwakauyawo neshanduko pachimiro chemapepa anoti Chishona
Language pepa 1 nepepa 2. Chikamu chino chichanyanya kunangana
nemanyorerwo erondedzero inowanikwa iri kupepa 1. Pepa 1 yeShona
Language ine zvikamu zviviri chete, zvinoti rondedzero nenzwisiso
nepfupiso. Zvikamu zviviri izvi zvinonyorwa munguva inoita iyo maawa
maviri. Rondedzero ine zvibodzwa makumi mashanu (50), nzwisiso
makumi maviri (20) nepfupiso gumi (10), zvose zvobva zvaita makumi
masere (80). Tikanyatsoita ongororo yakanaka, tinoona kuti pepa 1
yava nenguva yakawanda chose kana tichienzanisa nemamirire aiva
akaita bepa rokutanga mubumbiro rekare rezvidzidzo reChiShona.
Nekuda kweshanduko iyi, ndinoona zvine ungwaru kupa chikamu
cherondedzero nguva inoita iyo awa yose. Awa inoita kuti munyori
webvunzo anyatso -tora nguva yake achinyatsonyora rondedzero yake
yaanenge asarudza, uyewo kuti munyori webvunzo awane nguva
yekuita dzokororo kuti akwanise kugadzirisa mhosho dzaanenge aita.
Kusadzokorora basa rerondedzero hakuna kunaka zvachose, sezvo
zvichiita kuti munyori webvunzo azorasikirwa nezvibodzwa nekuda
kwemhosho dzaanenge aita akatadza kudzidzokorora. Kurudziro yangu
ndeyekuti ngazvive
Usaita manyawi kusarudza musoro wakaoma uchisiya wakapusa nechikonzero
chekuti unonyorwa neruzhinji, kuda kuonererwa.Zviri nane kunyora
mubvunzo wakapusa mobudirira mose, pane kuti iwe wokundikana
nekuda kwekuda kuzama zvinogozha uchida kuzviita gamba, unofa
wakasvinura sematemba. Muchaona kuti kana iri rondedzero yenyaya,
munyori webvunzo anogona kupedzisira ave kunyora twunyayanyaya
nokuda kwekuti anenge asarudza musoro waasingakwanisi kunyora nyaya
yaanogona kusvitsa mapeji mana. Kana zvadai,rondedzero inenge yava
kukwenyerwa kwa25 kwete 50. Kazhinji kacho munyori anenge atotarisana
nekukundikana. Nokudaro, munyori ngaaite sarudzo yakanaka, sezvo
mukwenyi webvunzo asingadzori tsvimbo nekuda kwekuti wada kutaridza
hugamba pahusingakwani, uye kuti haazombokunzwiri urombo kana
ukanyora twunyayanyaya kunyange twunyaya twako twukanakidza sei.
d) Mibvunzo yerondedzero inenge iri minomwe yakapihwa manhamba
1a, 1b, 1c, 1d, 1e, 1f ne1g. Munyori webvunzo anokurudzirwa kunyora
nhamba yemubvunzo chete, sekuti, 1g. Vanyori vebvunzo vazhinji
vanofarira kunyora nhamba yemubvunzo nemubvunzo wacho, kana
zvadai mukwenyi webvunzo anosununguka kukwenya zvose zvanyorwa
nemunyori webvunzo kubva pamubvunzo. Vanyori vebvunzo vazhinji
vanowanzotadza kunyora kubva pamubvunzo chaiwo, zvinobva zvaita kuti
mhosho dzavo dziwande, zvinova zvinoderedza gohwo remunyori. Kana
zviri izvo zvinokurudzirwa kune zvimwe zvidzidzo, ngazvisarire ikoko,
sezvo kurondedzero zvichitaridza kuti zvine njodzi kukopa mubvunzo.
NB: Runyoro, kuumba mavara zvakanaka, kubatanidza nekupatsanura
mazwi kwakanaka uye kushandisa zvirungamutauro; zvinofanirwa kuwanikwa
murondedzero imwe neimwe.
Chimiro cherondedzero
Rondedzero yoga yoga ine zvikamu zvitatu zvinoiumba zvinoti, mavambo,
mutumbi nemhedziso.
i) Mavambo
Rondedzero yakarukwa zvakanaka inenge ine hwaro hwakanaka
hunogona kukwezva mukwenyi,obva abiwa pfungwa nekuda
kwekunakidzwa nemavambo. Mavambo (nhanganyaya)inzwisa
yezvatichawana mumutumbi. Nhanganyaya ngaiite kuti muverengi
webasa rako ave nechidokwa-dokwa chekuda kuverenga nyaya yako.
Mavambo ngaave mapfupi, akananga
yekufambiswa kwamashoko, vapoteri, zvidzidzo zvenhaka
yemusiidzanwa nezvimwewo.Ruzivo urwu runogona kukwapwa
mumapepanhau, madzimudzangara, zvivhitivhiti, dandemutande
nezvimwewo. Kune zvirongwa zvakaita sanaMai Chisamba Show
zvinobuda nyaya dzakasiyana-siyana dzinenge dzichipisa munyika
panguva iyoyo, zvinobatsirawo zvakare. Rondedzero kana
ichiongororwa kunotariswa kuti nyaya yabuda zvakanaka here,
kupa pfungwa dzakawanda chero kutodarika dziri pagwenyeso,
izvi zvinoita kuti munyori adonhere muchikero chepamusorosoro.
Kunotariswawo zvekare nzira dzemanyorerwe dzashandiswa
dzinosanganisira nhongoreramberi, nhongorerashure, kutangira
pakati nekushandiswa kwezvirungamutauro. Kunotariswawo
zvekare nyaya yemanyorerwe akanaka eChiShona anosanganisira,
kubatanidza nekupatsanura manzwi zvakanaka, zviperengo, kuumba
manzwi, kunyora zvinoonekwa, zvinoverengeka, zvakachena,
kuronga zvikamu zvichinatsoyerera zvakanaka, kuumba mavara
zvakanaka nezvimwewo. Kunyange munyori wemubvunzo akapa
pfungwa dzakanaka uye kuwanda zvakadii, kana akatadza
manyorerwe akanaka eChiShona, unogona kukoromoka kubva
kumusorosoro kusvikira kuzvibodzwa zviri pasi pe25 kana mhosho
dzake dzikadarika makumi matatu.
2. Mhando dzerondedzero
Rondedzero dzine mhando dzakasiyana-siyana dzinoti
yenyaya(tsumo), tsanangudzo (inzwi rimwe), tsamba (yebasa
neshamwari), nhaurwa, gakava, hurukuro nemhan`aro.
a) Rondedzero yenyaya
Rondedzero yenyaya inogona kuuya nenzira mbiri,iri tsumo
kana yakanzi nyora nyaya inotanga kana kupera nemazwi
anoti......Mhando yerondedzero iyi ndiyo inowanzofarirwa
nevadzidzisi nevanyori vebvunzo padanho reO-Level, ichiita kuti
vakohwe mamakisi akawanda kana yanyorwa zvakanaka,asi
pane zvinoda kuchenjererwa nemunyori webvunzo kana
asarudza musoro werondedzero yenyaya.
i) Pazvinowanikwa
ii) Mhando
ii) Zvinokonzerwa nei
iv) Zvinotanga sei
v) Zvakanakirei
vi) Zvakaipirei
vii) Zvinogona kupedzwa sei
viii) Zvingaitwe kupedza\kugadzirisa
ix) Matanho anotorwa
x) Zviratidzo
Muchaona kuti pamusoro papihwa zvikamu zvakawanda chose,asi
pamubvunzo panogona kuda zvikamu zvina kana zvishanu chete,
semuenzaniso pamubvunzo wekuti ushamwari panogona kuda
kutsanangurwa zvikamu zvimwe zvinoti:
i) hunotanga sei
ii) mhando dzeushamwari
iii) hwakanakirei
Ndini Wenyu akatendeka
Ropafadzo Taguta
NB. Kana mudzidzi\munyori webvunzo ane dambudziko rekunyora
chinangwa\donzvo ngaasiye,sezvo asina zvaanorasikirwa nazvo uye
hazvikanganisi pakugutsa mukwenyi (impression). MaAbbrevations
anotambirwa chete ndeepana Post Office Box (P.O.Box 230) kwete pane
Private Bag. Private Bag inonyorwa yakazara nguva dzose.Kurudziro
ndeyekuti Post Office Box ngainyorwe yakazara, sezvo vadzidzi vazhinji
vanowanzoita dambudziko rekuresva pekuisa zvimiso, izvo zvinoita kuti
mhosho dzavo dziwande zvozokanganisa goho ravo. Zvirungamutauro
ngazvishande pazvinokodzera asi, hazvizonyanyowanda semurondedzero
yenyaya.
Tsamba yebasa inongonyorwa nemapeji mana.
Zaka High School
Post Office Box 230
Jerera
03 Kubvumbi 2019
Mukuru wechikoro
Zaka High School
Post Office Box 230
Jerera
Wadiwa Changamire
Ndanyora tsamba iyi kwamuri ndichida kukupai zvikonzero zvinotadzisa
vana vedanho reO-Level kuti vabudirire mubvunzo dzavo nemazano
angaitwa kuti vabudirire.
Dambudziko rekutanga kushaikwa kwedandemutande reruzivo pachikoro.
Nguva zhinji varairidzi vanouya kuzopa vana basa rekuti vandoita tsvakurudzo
pachavo pamusoro pechidzidzo chavanenge vachiita. Dandemutande iri
rikashaikwa vana havakwanisi kutsvaga ruzivo rwakakwana zvinoita kuti
vagozova nenyunyuto nechikoro.
Kushaikwa kweimba inowanikwa mabhuku ekuverenga kunyanya mabhuku
matsva ane ruzivo rwaikozvino. Pane nguva iya inopiwa vana kuti vaverenge
panguva dzavanenge vasina zvidzidzo. Nguva iyi inovhiringidza vaya vane
shungu nechikoro nokuti vamwe vanenge votoita ruzha zvinokonzera kuti
vasaverenga saka panenge pachidiwawo imba yekuverengera.
Ndakavakisa zvimbuzi mudzimba dzemudunhu rino izvo zvakaderedza
chirwere chemanyoka chaiva chatishanyira, chatekeshera.
Ndakasarudza komiti yaimiririra nezveutsanana hwemudunhu redu.
Ndakaisawo mutemo wekuti hapana mhuri yaifanirwa kushaya
chimbuzi.
Ndakaita chirongwa chekubhadharira vana vechikoro mari
vaya vanoshaya nenherera. Kubhadharira vana mari yechikoro
kwakaderedza huwandu hwevana vasingaendi kuchikoro uye zvakaita
kuti dunhu redu ribudirire panyaya dzedzidzo. Ndakatengera nherera
zvipfeko nemabhuku ekuendesa kuchikoro.
Semumiriri wedunhu rino ndakawedzera kuvaka madhibhi izvo
zvakaita kuti mombe dzigare dzakagwinya. Ndakatsvaga nzvimbo
dzakakodzera kuti mombe dzifurire kuitira kuti dzisafurira pose pose,
izvo zvakaderedza kukukurwa kweivhu.
Ndakavakisa nzvimbo dzekutandarira dzevechidiki idzo dzaita
kuti vataurirane matambudziko avari kusangana nawo. Ndakaita
chirongwa chekuhoresa mari chembere dzisingachakwanisi kuita
mabasa emaoko. Ndakaisa komiti inowachira nokubikira vakweguru
pamazuva avanenge vakasununguka.
Ndakakwanisa zvekare kuvakira haridzofanzirofa dzimba. Ndakaita
chirongwa chekuhoresa nherera nevanoshaya chikafu mwedzi
nemwedzi uye ndakahoresa vagari vose vemudunhu mbeu zvose
nefetiraiza, izvo zvakaita kuti nzara iderere pamakore apfuura
mudunhu redu.
Semwana wenyu ndakaita chirongwa chekukwevesa magetsi, izvo
zvakakwidziridza budiriro yedunhu redu.Ndakasarudza madzimai
muraini roga roga anobetsera vana vanenge vawirwa nematambudziko
akaita sekushungurudzwa pabonde nemupfungwa.
Vakuru vakati, natsa kwawabva kwaunoenda usiku, saka ini ndinoti
kwamuri pamberi nekubatana, pamberi nebudiriro. Mashoko
andinokusiirai ndeekuti muchengetedze runyararo mudunhu rino.
e) Rondedzero yegakava
Imhando yerondedzero inenge ine vatambi vaviri vanenge
vachikakavadzana kana kupa pfungwa dzinenge dzichipikisana.
Ngavave vatambi vaviri chete. Kana munyori webvunzo akanyora
rondedzero yegakava ine vatambi vatatu, zvibodzwa zvose
zvinotaurwa nemutambi wetatu hazvitambirwi, asi mhosho dzaanoita
pamutambi wetatu dzinotariswa, saka panoda kungwarirwa chose
kuitira kuchengetedza zvibodzwa. Mubvunzo wegakava unoda
VaTarumbwa: Zviri nyore kudaidza n`anga kuti izokurapira pamusha
pako pane kudaidza chiremba wekuchipatara.
Chiremba anoda mari yakawanda kuti auye pamusha
pako.
Roparembwa: K
uzvipatara kunochengetwa vanhu vakawanda
vachipiwa mibhedha nezvekudya zviri nani, asi
kun`anga hakuna zvakadai. Kuzvipatara kune
utsanana pane kun`anga.
VaTarumbwa: K
un`anga kwakanaka nekuti n`anga dzinokurumidza
kubatsira murwere kudarika muzvipatara vanotora
nguva vachiongorora. Kana vapedza vozokurapa
murwere achingorwadziwa.
Roparembwa: Kuzvipatara kwakanaka nekuti kana chirwere chanetsa
vezvipatara vanokuendesa kunana mazvikokota
vemhando yechirwere chako asi n`anga hadzidaro.
VaTarumbwa: Pan`anga unogona kuvhakachira hama yako panguva
yose yose yawada. Kuchipatara unopihwa nguva
shomashoma yekufamba-famba asi usingabudi kunze
kwegedhe.
Roparembwa: V
ezvipatara vane motokari dzekutakura varwere
kuenda kune zvimwe zvipatara, asi n`anga hadzina.
Kun`anga ukanyanya kurwara uripo hapana mota
inokwanisa kukutakura kuti udzokere kumusha kwako
unongofirapo.
(VaTarumbwa vanosumuka vakabata muchiuno vachiratidza kuvira
nehasha. Roparembwa anobva ati hutu kudzokera kumba kwake.
VaTarumbwa naRoparembwa vakaparadzana gakava iri risati rapera).
f. Rondedzero yehurukuro
Inonyorwa sezvinoitwa mabhuku emitambo. Inotangawo
nenhanganyaya iri ndima yakazvimiririra, inozivisa mazita evaviri
vari kukurukurirana nezvavari kutaurirana zvacho, zvabvunzwa.
Inoteverwa nemuviri werondedzero tambodarika mutsetse. Pane
mazita evatauri mukati memajini, oteverwa nezvimiso zvinenge
zvakaturikidzana zviri mumutsetse wakatwasuka kusvika zasi
kwepeji, zvichipatsanura manzwi evatauri nemanzwi avo kurudyi
kwemazita avo sezvizvi;
Nobert: Tsaona zhinji dziri kukonzerwa nevatyairi vari kutyaira
c) Semukuru wechikoro, nyora mhan`aro kumumiriri wedzidzo
yePuraimari neSekondari wemudunhu menyu uchimutsanangurira
mafambiro ari kuita zviri kubuda pabvunzo dzeO-Level pachikoro
penyu sezviri kubuda papayi chati riri pazasi.
Pfupiso
Kunyora zvakakosha zvese nemanzwi mashoma ako, pfungwa
dzakapfumana zvakanaka, muchikamu chimwe chete.
Mubvunzo 4
Tsumo
Q1: Mubvunzo wokutanga unotaura pamusoro petsumo. Tsumo
dzinogona kubvunzwa nenzira idzi (5 marks)
[A] Kuzadzisa pakashama petsumo.
[B] Kupa tsumo yakafanana neyakapiwa.
[C] Kupa tsumo inorandurana neyakapiwa.
[D] Kupa tsananguro/dudziro yetsumo.
[E] Kupa tsumo ine tsananguro yakapiwa.
[F] Kuumba tsumo kubva pamanzwi akapiwa.
Fananidzo|Enzaniso (5 marks)
Fananidzo ienzaniso yechinozikanwa nechisingazikanwi. Fananidzo
dzakare ndidzo dzinoshandiswa kwete dzanhasi. Fananidzo idzi dzine
mataurirwo adzaiitwa kare anofanira kuramba akachengetedzwa.
Chisekedzani
• Maitiro evanhu vanoukama hwakasununguka, vanoshandisa
mutauro wokufara uye vanowirirana. Mutauro wavo
wakasununguka chose. Chisekedzani chinowanikwa pachiramu,
chisahwira, chishamwari, nepachizukuru nepamwewo. Vanhu
veukama uhwu vakasunungukirana chose, saka kusekedzana
hakushaikwi. Maitiro nematauriro avanhu ava akasununguka
chose kana vari pachavo asi kana paita munyarikani maitiro
nematauriro anogona kusanduka chose.
Chisekedzani
Chiramu
Uyu musambo unowanikwa kana murume wemukadzi achitamba
nevanin’ina vemukadzi kana vana vehanzvadzi dzemukadzi vasikana.
Pasiripo pega chiramu chinowanikwa pakawanda donongodzawo kuti
chiramu chinogona kubudawo paukama hupi?
Musambo wechiramu wakasununguka chose, une kunemerana,
musara muchohwe, jee nemabimbiri. Vanhu vehukama hwechiramu
vane kufarirana nekusekedzana pasina zvinotsamwisa. Mabimbiri
aiitwa nemunhu asati aroorwa. Aitambwa naye zvakati pfuurei,
vaishoorana zvine mutsigo paitaurwa zvinonyadzisa asi zvaigumira
ipapo. Kushinhwa nemunhu akaroorwa kwainzi kwaiera.
Chiramu chainyanyotambwa kunyanya varamu vari vega. Ipapa
paigona kuzopedzisira nhembe dzadarikwa. [Varamu vanenge
vakarasa muswe].
Muchivanhu pakushaikwa kwembereko babamukuru vaitora mainini
muramu kuti musha ukure, asi izvi zvaiita kuti vana vanyamunhu
5. Ipa zvinoreva manzwi aya;
i. akakunanzvisa chete. [1]
ii. madarikanhumbi [1]
Chizukuru
Chizukuru chinotambwa nemadzimbuya namadzisekuru nevazukuru
vavo zvisinei vakomana kana vasikana. Chizukuru chinobuda
pakawanda pahukama hwevanhu vakasiyana-siyana. Ini regai
ndinyanye kubata chizukuru chomunhu anoenda kuhanzvadzi dzamai
vake nevakadzi vadzo. Muzukurukomana unoenda achiti vakadzi
vehanzvadzi dzamai vake vakadzi vakewo. Muzukuru anotorera vana
sekuru vake vakadzi.
Kana pasina vanyarikani hapana chisingataurwi pahukama uhwu,
kusvika kuzvinyadzi. Ukama uhwu hwakasununguka chose. Vanhu
ivava vanogona kunemerana chose. Hanzi chisekedzani pachizukuru.
Muupenyu muzukuru aienda nemusikana kana mukomana wake
kwana – sekuru nambuya. Apa ndipo paibuda utukwa. Vana mbuya
vanoti kumusikana auiyiwa naye watitorera murume wedu. Vana
sekuru vachitiwo kumukomana auyiwa naye watitorera mudzimai
wedu. Apa paibuda utukwa nenyaya dzekutorerana torerana.
Hazvaizoguma zvakadaro, vaizoraira vazukuru vavo zvokubata musha
kwakanaka vaizovayambira nematambudziko avaigona kusangana
nawo muupenyu.
Muzukuru ainge akanakira kuti ndiye aizogova nhaka yasekuru vake
kana vafa. Ndiye aiyananisa sekuru nambuya kudai chero vachirwa
vari muimba yomukati. Muzukuru aigona kurairwa nasekuru
vachirwara voda kufa zvavaida kuti zvizosara zvichiitwa kana vafa.
Iye muzukuru aigeza sekuru vake kana vafa vasati vavigwa.
Vamwe vazukuru vaizopira zvinotevera sekutamba kusina kunaka
namadzimbuya mabimbiri nebonde. Zvisinei chizukuru chaigona
kuregwa kana paine vanyarikani.
Mazita
Pamazita panobva mubvunzo unobvunzwa. Mhando dzemibvunzo
ingabva pamazita ndeiyo.
i. Kuisa mazita mumipanda
ii. Kubudisa madzitsi nezvivakashure
iii. Kuisa mazita ari mumupanda umwe pawo oga.
iv. Kupa mienzaniso yemazita ari mumipanda yakapiwa.
v. Kutsanangura zvivakashure zvetsoropodzo
vi. Imwewo mibvunzo inogonawo kuuya nezvinzvengure yakaenda
nepadivi.
Mienzaniso yemibvunzo ichapindurwa muno ichakuchenjedza
pamusoro pemazita mubvunzo dzauchanyora padanho re’O’ level.
Zvidudziramazita
Pazvidudziramazita panobvawo umwe mubvunzo wemaumbirwe
emutauro. Panoda kuti munhu azive mhando dzezvidudzira
mazita zvese neenzaniso dzechimwe nechimwe nezvazvinoshanda
muupenyu. Mudzidzi anofanira kugona kunyukura zvidudziramazita
kubva mundima, nekugona kutsanangura maumbirwe azvo.
Seizvi;
Chipauro
Chivakashure chechipauro + dzitsi rechipauro
Mu- +- tsvuku
Zviratidzi
17 a) Ita kuti manzwi anotevera ave zvindori.
Mai ini omene
Gudo diki upfu
Mhara vanokara (4)
b) Uchishandisa zvindori zvawaumba pamusoro, tsanangura
maumbirwe ezvindori (6)
Haanoi mapindurirwe anoitwa mubvunzo uri pamusoro
a) ndiamai ndini ndomene
igudo idiki upfu
imhara ndevanokara
b) chiwedzererwa chechindori + dzitsi rechindori
ndi- + -mai
i- + -gudo
nde- + -vanokara
(h-)- + -upfu
Kana kuti i- inobatanidzwa nemazita nezvipauro zvemupanda 5,9,10
sekuti i-gudo (zita,5), i-diki (chipauro,5,9 ne10)
Taridza zviwedzerwa nemadzitsi ezvindori zvinotevera.
ndini ndeumwe ndaawo murume
nditete igarwe itsvuku zigomana
(10)
NB.Mubvunzo uyu unopindurwa sezvizvi;