Shona Notes
Shona Notes
Zvipauro zvinotora zvivakashure zvemazita azvinotsanangura sokuti tinoti bhazi dzvuku zvino Zita iri
ndere mupanda weshanu(5) saka chivakashure ndi ri-
[11/05, 20:59] +263 77 888 7450: Munonyora kuti zvipauro chaizvo,kuti zvipauro chaizvo nokuti
zvipauro zvizere ndiyo mhando yokutanga
[11/05, 21:00] +263 77 888 7450: Mhando yechipiri mazwi anoshandiswa sezvipauro
[11/05, 21:00] +263 77 888 7450: Izvo zvekuti zvemhumhu imhando dzemadzitsi ezvipauro
[11/05, 21:04] +263 77 888 7450: Unotarisa kuti chipauro chacho chatsanangura Zita ripi ndipo
panobva chivakashure chacho. Sokuti tsvuku tava kutoziva kuti chipauro chezita remupanda
wepfumbamwe(9) sokuti imbwa saka chivakashure ndi zero prefix
[12/05, 15:16] +263 77 762 6901: Chisarudzi chidudziramazita chinoburitsa pfungwa yokusarudza
kana kunan'anura zvinhu kubva pane zvimwe sokti:
[12/05, 16:07] +263 77 888 7450: Ngwarirai vanangu,kana tichitsanangura izwi hatifaniri
kudzokorodza izwi racho mutsananguro yedu,zvachinonzi chisarudzi hatifaniri kuzoti pfungwa
yekusarudza kana kuti chichinzi chinan'anuri hatifaniri kuzoti pfungwa yekunan'anura kwete
[12/05, 16:14] +263 77 888 7450: Tinoti chisarudzi chidudzirazita chinotsanangura Zita chichibudisa
pfungwa yekutsaura chinhu kubva pane zvimwe. Chine madzitsi matatu anoti
dzitsi -no sokuti chi-+-no. -ye\-ya sokuti chi-+-ya. Kana
kuti chi-+-ye. -pi sokuti chi-+-pi zivai kuti dzitsi rechisarudzi -
ye nedzitsi -ya idzitsi rimwechete asi vamwe vanoti -ya vamwewo vachiti -ye. Maumbirwo
echisarudzi ndeawa. Chivakashure chechisarudzi +dzitsi rechisarudzi
[18/05, 01:27] +263 77 888 7450: Chiverengo,ichi chidudzirazita chinotsanangura Zita chichibudisa
pfungwa yekurava pamusoro pezita rachinenge chatsanangura. Chinoumbwa nechivakashure
chechiverengo + dzitsi rechiverengo. Chine madzitsi matatu anoti -mwe, -mwe', -i/-yi/-nyi sezvizvi
imwe' apa panobuda pfungwa yechinhu chimwechete sokuti mombe imwe,. Imwe, apa
panobuda pfungwa yokuturikidza kana kuvirika pamusoro pachimwe chamboitwa,.
Chii,apa panobuda pfungwa yechinhu chimwechete, zivai kuti vamwe vanoti chinyi uye vamwe
vanoti chiyi ndicho chikonzero chaita kuti titi -i/-yi/-nyi padzitsi iri. Nyorai izvi mumanotsi
[18/05, 21:42] +263 77 888 7450: Chirevauwandu chidudzirazita chinotsanangura Zita chichibudisa
pfungwa yeuzhinji noushoma hwechinhu kana zvinhu. Ichi chinoumbwa nechivakashure
chechirevauwandu + nzvovera inoshanduka + dzitsi rechirevauwandu. Chine madzitsi matatu anoti.
Dzitsi -se dzitsi -ga dzitsi -mene. Sezvizvi. Chivakashure
chechirevauwandu (ch-) + nzvovera inoshanduka (-o-) + dzitsi rechirevauwandu (-se) tinobva
tsawana chose. Zivai kuti chivakashure chechirevauwandu ndicho chinotiudza zvizere kuti pfungwa
iri kubuda ndeye zvizhinji here kana zvishoma,tichiti zvishoma tinoreva chinhu chimwechete uye
tichiti zvizhinji tinoreva zviviri kana kupfuura. Patati chose unobva waziva kuti ndechimwe chete asi
tikati zvose unobva waziva kuti zvizhinji. Chivakashure chechirevauwandu chinotorwa kubva
kuchivakashure chezita rachinotsanangura sokuti tikati vose (-o-) uyo ari pakati ndiyo nzvovera
inoshanduka, (-se) ndiro dzitsi rechirevauwandu asi nhengo inotanga chivakashure
chechirevauwandu,zvinodudzira izvo kuti apa tasara na(v-) asi kuzvivakashure zvemazita hatina v-
nokudaro chivakashure chechirevauwandu pakadai ndizero prefix
[18/05, 21:58] +263 77 888 7450: Chirevamwene. Ichi mune mamwe mabhuku chinonzi
chitaridza muridzi. Chidudzirazita chinotsanangura Zita chichibudisa pfungwa dzinotevera pamusoro
pezita rachinenge chatsanangura. (a) pfungwa yemuridzi wechinhu sokuti changu.
(b) pfungwa yebasara rinoshandiswa chinhu sokuti rokugezesa. (c) pfungwa yepanogara
chinhu sokuti reupfu. (d) pfungwa yenguva kana nhambo dzinoitika zvinhu sokuti
yemangwanani. (e) pfungwa yeunhu kana maitiro emunhu kana chinhu sokuti wemakaro.
(f) pfungwa yeruvara rwechinhu sokuti yeyero. (g) pfungwa yemhando yechinhu
sokuti rengoto. Mudzidzi anosungirwa kuzivazvo kuti pfungwa dzatati ndidzo dzinobuda
kana chirevamwene chatsanangura Zita,ndidzo mhando dzezvirevamwene dzatinadzo.
MAUMBIRWO ECHIREVAMWENE . Ichi chinoumbwa nechiwedzerwa chechirevamwene +
nzvovera inoshanduka+ dzitsi rechirevamwene. Sezvizvi, chiwedzerwa chechirevamwene (w-)+
nzvovera inoshanduka (-a-)+ dzitsi rechirevamwene (-ngu) tinobva taburitsa wangu. Zivai kuti
chiwedzerwa chechirevamwene hachisi chivakashure saka hachisingirwi kufanana nezvivakashure
zvamazita, unongotora mavara ari kumashure kwenzvovera yaunotanga kuona uchitarisa izwi kubva
kuruboshwe. Chinonzi nzvovera mavara anoti a e I o u. Kana ukasangana nechirevamwene
chinotanga nenzvivera sezvizvi. Edu, iwe ibva waziva kuti chiwedzerwa chechirevamwene hachisi
pachena saka chibva chatorwa sazero prefix.
[18/05, 22:15] +263 77 888 7450: Kwete chirevamwene ndeicho chandatsanangura,izwi rokuti
mwene kuchishana rinoreva muridzi wechinhu kana zvinhu ndicho chikonzero uchizonzwa vamwe
vachiti mwene weupenyu hwangu....asi hachingobudisi pfungwa yemuridzi chete,chinobudisa
pfungwa dzandatumira idzo dzinobva dzave idzo mhando dzezvirevamwene
[18/05, 22:30] +263 77 888 7450: Tati imwe pfungwa inobudiswa nechirevamwene kana
chatsanangura Zita ndeye basa rinoshandiswa chinhu sokuti dombo rokugezesa,apa dombo izita
remupanda wechishanu, rokugezesa chirevamwene chinounza pfungwa yebasa rinoshandiswa
dombo racho